1 Kings 15:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Suŋgano iri’po pakati paŋgu nemi, pakati paɓaɓa ʋaŋgu naɓaɓa ʋenyu; tarirai, ndinokutumirai cipo cesirveri nendarama, endai muputse suŋgano yenyu naBaasha mambo waIsraeri, abve kwandiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati, “Ngatinyoreranei chibvumirano imi neni, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndakutumirai chipo chesirivha negoridhe. Zvino imi chiputsai chibvumirano chenyu naBhaasha mambo weIsraeri kuitira kuti abve kuno kwandiri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ngatiitei chibvumirano imi neni sezvakanga zvakaita baba venyu nababa vangu. Onai ndakutumira chipo icho chendarama nesirivha. Imi moendawoka muparadze chibvumirano chenyu naBhaasha mambo wokwaIsiraeri kuitira kuti kwangu kuno uku abve.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Sungano iripo pakati pangu nemi, pakati pababa vangu nababa venyu; tarirai ndinokutumirai chipo chesirivha nendarama, endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri.”
Shona 2009?
"Sungano iripo pakati pangu nemi, pakati pababa vangu nababa venyu;tarirai ndinokutumirai chipo chesirivha nendarama, endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri."
Shona SUB 2002 Bible
“Sungano iripo pakati pangu nemi, pakati pababa vangu nababa venyu; tarirai ndinokutumirai chipo chesirivha nendarama, endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri.”