1 Kings 15:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mamŋe maɓasa ose aAsa, nesimba rake rose, neɀose ɀaakaita, namaguta aakaʋaka, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadziɓaɓa aJuda? Asi paŋguʋa yokukwegura kwake wakaŋga acinzwa makumbo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana zviri zvimwe zvose zvakaitika panguva yokutonga kwaAsa, zvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha? Zvisinei, panguva yokukwegura kwake, tsoka dzake dzakabatwa nechirwere.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inga dzimwe nyaya dzezvaAsa nougamba hwake nezvinhu zvose zvaakaita uye maguta aakavaka, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Chaingovapo chete ndechokuti akwegura akaita chirwere chomutsoka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mamwe mabasa ose aAsa, nesimba rake rose, nezvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzibaba aJudha? Asi panguva yokukwegura kwake wakanga achinzwa makumbo.
Shona 2009?
Zvino mamwe mabasa ose aAsa, nesimba rake rose, nezvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzibaba aJudha? Asi panguva yokukwegura kwake wakanga achinzwa makumbo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mamwe mabasa ose aAsa, nesimba rake rose, nezvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzibaba aJudha? Asi panguva yokukwegura kwake wakanga achinzwa makumbo.