1 Kings 15:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asa akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake paguta raDavidi ɓaɓa ʋake; Josafati mŋanakomana wake, akamuteʋera paʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Asa akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muguta rababa vake Dhavhidhi. Zvino mwanakomana wake Jehoshafati akamutevera paumambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asa akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta ravasekuru vake VaDhavhidhi. Mwanakomana wake Jehoshafati ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asa akavata namadzibaba ake, akavigwa kunamadzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake; Josafati mwanakomana wake, akamutevera paushe.
Shona 2009?
Asa akavata namadzibaba ake, akavigwa kunamadzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake; Josafati mwanakomana wake, akamutevera paushe.
Shona SUB 2002 Bible
Asa akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake; Josafati mwanakomana wake, akamutevera paushe.