1 Kings 15:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acaŋgogara ʋushe, akaʋuraya ʋose ʋeimba yaJeroboami; haana‐kusiyira Jeroboami mumŋe wakaŋga acafema, kuȿikira amuparadza, seɀaɀakarebga naJehova nomuromo womuranda wake Ahija muShiro;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achingoti tangei kutonga, akabva auraya mhuri yose yaJerobhoamu. Haana kusiyira Jerobhoamu mumwe chete achifema, asi akavaparadza vose sezvazvakarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake Ahija muShiro,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakangova mambo akabva auraya vose vemba yaJerobhoamu. Hapana nomumwechete wemba yaJerobhoamu waakasiya ari mupenyu kusvikira atoiparadza sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo womuranda wake Ahiya wokuShiro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati achangogara ushe, akauraya vose veimba yaJerobhoamu; haana kusiyira Jerobhoamu mumwe wakanga achafema, kusvikira amuparadza, sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo womuranda wake Ahija muShiro;
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible