1 Kings 15:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akafamba paɀiʋi ɀose ɀaɓaɓa ʋake, ɀaʋakamutaŋgira kuita; mŋoyo wake wakaŋga usina‐kururama kwaɀo kunaJehova Mŋari wake, somŋoyo waDavidi ɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akaita zvivi zvose zvakanga zvaitwa nababa vake asati ava mambo; mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake sezvakanga zvakaita mwoyo watateguru wake Dhavhidhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatevera nzira yezvitadzo zvose zvababa vake zvavakaita iye asati avapo, asingatevere Tenzi, Mwari wake nomwoyo wose semwoyo waiva navasekuru vake Dhavhidhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akafamba pazvivi zvose zvababa vake, zvavakamutangira kuita; mwoyo wake wakanga usina kururama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, somwoyo waDhavhidhi baba vake.
Shona 2009?
Iye akafamba pazvivi zvose zvababa vake, zvavakamutangira kuita; moyo wake wakanga usina kururama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, somoyo waDhavhidhi baba vake.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akafamba pazvivi zvose zvababa vake, zvavakamutangira kuita; mwoyo wake wakanga usina kururama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, somwoyo waDhavhidhi baba vake.