1 Kings 15:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti Davidi waiita ɀakarurama pamberi paJehova, haana‐kutsauka pacinhu cimŋe caakamuraira mazuʋa ose oʋupenyu bgake, asi pamhaka yaUria muHiti ɓedzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Dhavhidhi akanga aita zvakanga zvakarurama pamberi paJehovha uye akanga asina kutadza kuchengeta kana ipi zvayo yemirayiro yaJehovha mumazuva ose oupenyu hwake, kunze kwenyaya yaUria muHiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti Dhavhidhi akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi asingambotsauka kune zvose zvaakanga amutemera kuita upenyu hwake hwose kusiya chete panyaya iya yaUriya muHiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti Dhavhidhi waiita zvakarurama pamberi paJehovha, haana kutsauka pachinhu chimwe chaakamuraira mazuva ose oupenyu hwake, asi pamhaka yaUriya muHiti bedzi.
Shona 2009?
nokuti Dhavhidk waiita zvakarurama pamberi paJehovha, haana kutsauka pachinhu chimwe chaakamuraira mazuva ose oupenyu hwake, asi pamhaka yaUriya muHiti bedzi.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti Dhavhidhi waiita zvakarurama pamberi paJehovha, haana kutsauka pachinhu chimwe chaakamuraira mazuva ose oupenyu hwake, asi pamhaka yaUriya muHiti bedzi.