1 Kings 15:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mamŋe maɓasa aAbijami, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda? Kurwa kwakaŋga kuri’po pakati paAbijami naJeroboami.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana zviri zvimwe zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaAbhija, nazvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aJudha? Pakati paAbhija naJerobhoamu pakanga pane hondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inga dzimwe nyaya dzezvaAbhiyamu nezvinhu zvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Hondowo yakaramba ichingovapo pakati paAbhiyamu naJerobhoamu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mamwe mabasa aAbhija, nezvose zvaakaita hazvina kunyorwa here mubhuku ramakoronike amadzimambo aJudha? Kurwa kwakanga kuripo pakati paAbhija naJerobhoamu.
Shona 2009?
Zvino mamwe mabasa aAbhija, nezvose zvaakaita hazvina kunyorwa here mubhuku raMakoronike amadzimambo aJudha? Kurwa kwakanga kuripo pakati paAbhija naJerobhoamu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mamwe mabasa aAbhija, nezvose zvaakaita hazvina kunyorwa here mubhuku ramakoronike amadzimambo aJudha? Kurwa kwakanga kuripo pakati paAbhija naJerobhoamu.