1 Kings 16:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, acaŋgogara pacigaro cake coʋushe, akaʋuraya ʋose ʋeimba yaBaasha; haana‐kumusiyira mŋana mumŋe womukomana, kana mumŋe wehama dzake, kana mumŋe weshamŋari dzake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paakatanga kutonga, achangogara pachigaro choushe, akauraya mhuri yose yaBhaasha. Haana kusiya murume mumwe chete, hama kana shamwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakatanga kutonga, achangoti garei pachigaro chake choumambo, akauraya vemba yaBhaasha vose zvavo asingamusiyire kana munhurume mumwechete akadai kuhama dzake kana kushamwari dzake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pakutanga kwake kubata ushe, achangogara pachigaro chake choushe, akauraya vose veimba yaBhaasha; haana kumusiyira mwana mumwe womukomana, kana mumwe wehama dzake, kana mumwe weshamwari dzake.
Shona 2009?
Zvino pakutanga kwake kubata ushe, achangogara pachigaro chake choushe, akauraya vose veimba yaBhaasha; haana kumusiyira mwana mumwe womukomana, kana mumwe wehama dzake, kana mumwe weshamwari dzake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pakutanga kwake kubata ushe, achangogara pachigaro chake choushe, akauraya vose veimba yaBhaasha; haana kumusiyira mwana mumwe womukomana, kana mumwe wehama dzake, kana mumwe weshamwari dzake.