1 Kings 16:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakakukudza ndikakubvisa paguruʋa, ndikakuita mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; asi wakafamba nenzira yaJeroboami, ukatadzisa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ʋakamutsa shuŋgu dzaŋgu neɀiʋi ɀaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndakakusimudza kubva muguruva ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri, asi wakafamba munzira dzaJerobhoamu ukaita kuti vanhu vangu Israeri vaite chivi, nokuita kuti nditsamwe nokuda kwezvivi zvavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pamusana pokuti chingo chandakukwidziridza ndichikubvisa pasi apa pavhu ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri, iwe wakatotevera zvako gwara raJerobhoamu ukapinza vanhu vangu vaIsiraeri muchitadzo vakandishatirisa nezvitadzo zvavo izvozvo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndakakukudza ndikakubvisa paguruva, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri; asi wakafamba nenzira yaJerobhoamu, wakatadzisa vanhu vangu vaIsiraeri, vakamutsa shungu dzangu nezvivi zvavo.
Shona 2009?
"Ndakakukudza ndikakubvisa paguruva, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri; asi wakafamba nenzira yaJerobhoamu, wakatadzisa vanhu vangu vaIsiraeri, vakamutsa shungu dzangu nezvivi zvavo.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndakakukudza ndikakubvisa paguruva, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu VaIsiraeri; asi wakafamba nenzira yaJerobhoamu, wakatadzisa vanhu vangu VaIsiraeri, vakamutsa shungu dzangu nezvivi zvavo.