1 Kings 16:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mamŋe maɓasa aZimri, nokumukira kwake mambo, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaZimuri, nokumukira kwake kwaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aIsraeri?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inga dzimwe nyaya dzezvaZimuri nokupanduka kwaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mamwe mabasa aZimiri, nokumukira kwake mambo, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Shona 2009?
Mamwe mabasa aZimiri, nokumukira kwake mambo, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
Shona SUB 2002 Bible
Mamwe mabasa aZimiri, nokumukira kwake mambo, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri?