1 Kings 16:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akateŋga gomo reSamaria kunaShemeri namatarenta maʋiri esirveri, akaʋaka pagomo, akatumidza zita reguta raakaʋaka Samaria, aciteʋedzera zita raShemeri, mŋene wegomo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatenga gomo reSamaria kubva kuna Shemeri namatarenda maviria esirivha uye akavaka guta pagomo iri, achiritumidza kuti Samaria, zvichibva pana Shemeri, zita rouyo aimbova muridzi wegomo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatenga kuna Shemeru chikomo cheSamaria nezviuru zvitanhatu zvemari yesirivha akavakirira chikomo ichochi norusvingo. Pamusana paShemeru, aimbova muridzi wechikomo ichi, akatumidza guta racho raakavaka zita rokuti Samaria.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatenga gomo reSamaria kuna Shemeri namatarenda maviri esirivha, akavaka pagomo, akatumidza zita reguta raakavaka Samaria, achitevedzera zita raShemeri, mwene wegomo.
Shona 2009?
Akatenga gomo reSamaria kuna Shemeri namatarenda maviri esirivha, akavaka pagomo, akatumidza zita reguta raakavaka Samaria, achitevedzera zita raShemeri, mwene wegomo.
Shona SUB 2002 Bible
Akatenga gomo reSamaria kuna Shemeri namatarenda maviri esirivha, akavaka pagomo, akatumidza zita reguta raakavaka Samaria, achitevedzera zita raShemeri, mwene wegomo.