1 Kings 16:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cakaŋga ciri cinhu ciɗuku haco kwaari kufamba muɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, asi wakawana Izeberi mukunda waEti‐baari, mambo waʋaZidoni, akandoshumira Baari, akanamata kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akazviona zviri zvinhu zvidiki kuita zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye pamusoro pezvo akawana Jezebheri mwanasikana waEtibhaari mambo wavaSidhoni, akatanga kushandira Bhaari uye akamunamata.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaona kutevera gwara raJerobhoamu mwanakomana waNebhati sokunge chinhu chidikidiki, akatoroora zvake Jezebhero mukunda waEtibhaari mambo wevaSidhoni, akatoenda kundonamata Bhaari achimupfugamira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chakanga chiri chinhu chiduku hacho kwaari kufamba muzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, asi wakawana Izebheri mukunda waEtibhaari, mambo wavaZidhoni, akandoshumira Bhaari, akanamata kwaari.
Shona 2009?
Chakanga chiri chinhu chiduku hacho kwaari kufamba muzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, asi wakawana Izebheri mukunda waEtibhaari, mambo wavaZidhoni, akandoshumira Bhaari, akanamata kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Chakanga chiri chinhu chiduku hacho kwaari kufamba muzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, asi wakawana Jezebheri mukunda waEtibhaari, mambo wavaZidhoni, akandoshumira Bhaari, akanamata kwaari.