1 Kings 16:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pamazuʋa ake Hieri muBeteri akaʋaka Jeriko; akafirwa neɗaŋgwe rake, Abirami, ŋguʋa yaakaroŋga nheyo dzaro, ʋuye akafirwa nomŋanakomana wake worugotwe, Segubi, paŋguʋa yaakamisa masuʋo; seɀaɀakarebga naJehova nomuromo waJoshua mŋanakomana waNuni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munguva yaAhabhu, Hieri wokuBheteri akavakazve Jeriko. Mwanakomana wake wedangwe, Abhiramu, akafa paakavaka hwaro hweguta, uye mwanakomana wake wegotwe Segubhi akafa paakamisa masuo aro, sezvazvakarehwa neshoko raJehovha naJoshua mwanakomana waNuni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumazuva ake Hieri wokuBhetieri akavaka Jeriko. Kuvaka ugaro hwaro akatokuripa norufu rwomwana wake mukomana wedangwe ainzi Abhiramu. Kumisawo misuo mikuru yaro akakuripa negotwe rake rechikomana sokutaura kwakaita Tenzi nomuromo waJoshuwa mwanakomana waNuni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pamazuva ake Hieri muBheteri akavaka Jeriko; akafirwa nedangwe rake, Abhiramu, nguva yakaronga nheyo dzaro, uye akafirwa nomwanakomana wake worugotwe, Segubhi, panguva yaakamisa musuo; sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo waJoshua mwanakomana waNuni.
Shona 2009?
Pamazuva ake Hieri muBheteri akavaka Jeriko; akafirwa nedangwe rake, Abhiramu, nguva yakaronga nheyo dzaro, uye akafirwa nomwanakomana wake worugotwe, Segubhi, panguva yaakamisa musuo; sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo waJoshua mwanakomana waNuni.
Shona SUB 2002 Bible
Pamazuva ake Hieri muBhetieri akavaka Jeriko; akafirwa nedangwe rake, Abhiramu, nguva yakaronga nheyo dzaro, uye akafirwa nomwanakomana wake worugotwe, Segubhi, panguva yaakamisa musuwo; sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo waJoshua mwanakomana waNuni.