1 Kings 16:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shoko raJehova rikaʋuya ʋo nomuromo womuprofita Jehu mŋanakomana waHanani, pamsoro paBaasha, napamsoro peimba yake, nokuɗa kweɀakaipa ɀose ɀaakaita pamberi paJehova, akamutsa shuŋgu dzake pamsoro pamaɓasa amaʋoko ake, akaŋga akafanana neeimba yaJeroboami, ʋuye nokuti wakaŋga amuparadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro paizvozvo, shoko raJehovha rakauyawo nokumuprofita Jehu mwanakomana waHanani kuna Bhaasha neimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakanga aita pamberi paJehovha achimutsamwisa nezvaakaita, achifanana neimba yaJerobhoamu, uyewo nokuti akaiparadza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chakaitisawo kuti shoko raTenzi riuye kumuporofita Jehu rakananga Bhaasha nemba yake kwaiva kutadza kwaakaita kusingadiwi naTenzi achimushatirisa netwaakabata namaoko ake, achitevedzera zvaiitwa nemba yaJerobhoamu uyewo pamusana pokuiparadza kwaakaita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shoko raJehovha rikauyawo nomuromo womuporofita Jehu mwanakomana waHanani, pamusoro paBhaasha, napamusoro peimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakaita pamberi paJehovha, akamutsa shungu dzake pamusoro pamabasa amaoko ake, akanga akafanana neeimba yaJerobhoamu, uye nokuti wakanga amuparadza.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible