1 Kings 16:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo muranda wake Zimri, mukuru wehafu yeŋgoro dzake, akamumukira; ɀino iye wakaŋga ari paTirza, acinwa aciɓatwa mumba maArza, mutariri weimba yake paTirza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zimuri, mumwe wamachinda ake, aitungamirira hafu yengoro dzake, akamumukira. Era akanga ari muTiza panguva iyoyo, achidhakwa zvake pamba paAza, murume aichengeta muzinda wamambo paTiza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi gurukota rake rainzi Zimuri raiva mutungamiriri wechimwe chikamu chechikwata chevengoro dzehondo akamupandukira. Ari kuTiriza ikoko akati zvake achinwira-nwira iwe zvokutoraradza mumba maAriza mukuru mukuru aiona zvomumuzinda muTiriza imomo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo muranda wake Zimiri, mukuru wehafu yengoro dzake, akamumukira; zvino iye wakanga ari paTiriza, achinwa achibatwa mumba maAriza mutariri weimba yake paTiriza.
Shona 2009?
Ipapo muranda wake Zimiri, mukuru wehafu yengoro dzake, akamumukira, zvino iye wakanga ari paTiriza, achimwa achibatwa mumba maAriza mutariri weimba yake paTiriza.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo muranda wake Zimiri, mukuru wehafu yengoro dzake, akamumukira; zvino iye wakanga ari paTiriza, achinwa achibatwa mumba maAriza mutariri weimba yake paTiriza.