1 Kings 17:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Eria muTishbi, waigara Gireadi, wakati kunaAhabi: NaJehova mupenyu, Mŋari waIsraeri, iye wandimire pamberi pake, hapaŋgaʋi neɗoʋa kana mvura makore ano, asi kana ndareʋa ini.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Eria muTishibhi aigara muGireadhi, akati kuna Ahabhu, “NaJehovha, Mwari waIsraeri mupenyu, wandinoshumira, hakuchazovi nedova kana mvura inonaya mumakore ano kunze kwokutenge ndareva ini.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe mugari wokuTishibhi kuGireadhi anonzi Eriya akati kuna Ahabhu, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu, Mwari weIsiraeri wandinonamata kuti hakuchaita dova kana kunaya zvako makore ano kusatoti ndataura.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Eria muTishibhi, waigara Gireadhi, wakati kuna Ahabhi, “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.”
Shona 2009?
Zvino Eria muTishibhi, waigara Giriyadhi, wakati kuna Ahabhi, "NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Eriya muTishibhi, waigara Giriadhi, wakati kuna Ahabhi, “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.”