1 Kings 17:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati aȿika pasuʋo reguta, akaʋona cirikadzi yakaŋga igere’po, iciʋuŋganidza ʋutsotso; akamuɗana, akati: Nditorere ʋo mvura shomanene mumukombe, ndinwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo akaenda kuZarefati. Paakasvika pasuo reguta, chirikadzi yakanga iripo ichitsvaga huni. Akamudana akamubvunza akati, “Mungandivigirawo mvura shoma shoma mumukombe here kuti ndinwe?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Eriya akasimuka akaenda Zarefati akasvika pasuo guru reguta iri wanei pane chirikadzi ichitsvaka huni. Akadaidzira kwairi achiti, “Ndiigireiwo tumvura mumudziyo ndingonwawo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, “Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndinwe.”
Shona 2009?
Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, "Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndimwe
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuwo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, “Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndinwe.”