1 Kings 17:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: NaJehova Mŋari wenyu mupenyu, handineciŋgwa, asi tsama imŋe yoʋupfu muɗende, namafuta mashomanene mucinu; tarirai, ndakaŋga ndiciʋuŋganidza ʋutsotso ʋuʋiri, ndiciti ndoenda ndiɀigadzirire ini nomŋanakomana waŋgu, tidye, tife heɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa. Ndinongova netufurawu tushomashoma muhari namafuta mashomashoma muhari. Ndiri kunhonga huni shoma shoma kuti ndiende nadzo kumba ndinozvibikira kudya ini nomwanakomana wangu, kuti tigodya, tife.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai akati, “NaTenzi chaiye, Mwari wenyu mupenyu hakuna chandati ndabika. Chiriko, katsama bedzi koupfu mumudziyo notumafuta tushomanana muguchu. Chandiri kungoita, kunonga-nonga tukuni utwu kuti ndizondobikira ini nomwana wangu mukomana tidye tichifa zvedu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu.”
Shona 2009?
Iye akati, "NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu.”