1 Kings 17:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukadzi akati kunaEria: Ndineiko nemi, imi munhu waMŋari? Makapinda mumba maŋgu kuti ɀiʋi ɀaŋgu ɀiraŋgarirwe, ʋuye kuti mŋanakomana waŋgu aʋurawe here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi akati kuna Eria, “Ndakakutadzireiko, munhu waMwari? Wakauya here kuzondirangaridza chivi changu nokuuraya mwanakomana wangu?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai uyu akati kuna Eriya, “Ko chandakakutadzirai chiiko nhai, munhu waMwari? Heya kuuya kwenyu kwandiri kwaiva kwokuti uipi hwangu huyeukwe nhai nokuurayisa mwana wangu!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukadzi akati kuna Eria, “Ndineiko nemi, imi munhu waMwari? Makapinda mumba mangu kuti zvivi zvangu zvirangarirwe, uye kuti mwanakomana wangu aurawe here?”
Shona 2009?
Mukadzi akati kuna Eria, "Ndineiko nemi, imwi munhu waMwari? Makapinda mumba mangu kuti zvivi zvangu zvirangarirwe, uye kuti mwanakomana wangu aurawe here?"
Shona SUB 2002 Bible
Mukadzi akati kuna Eriya, “Ndineiko nemi, imi munhu waMwari? Makapinda mumba mangu kuti zvivi zvangu zvirangarirwe, uye kuti mwanakomana wangu aurawe here?”