1 Kings 17:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaari: Ndipe mŋanakomana wako. Akamutora pacifuʋa comukadzi, akamutakurira kuimba yokumsoro, kwaaigara, akamuradzika panhoʋo dzake,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Eria akapindura akati, “Ndipe mwanakomana wako kuno.” Akamutora kubva mumaoko ake, akamutakura akaenda naye kuimba yapamusoro yaaigara, akamuradzika pamubhedha wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eriya akamuti, “Ndipei kuno mwana wenyu.” Eriya akamutora mumaoko avo ndokumutakura oenda naye kumba yapamusoro maaigara akamuradzika pamubhedha wake chaiwo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwaari, “Ndipe mwanakomana wako.” Akamutora pachipfuva chomukadzi, akamutakurira kuimba yokumusoro, kwaaigara, akamuradzika panhoo yake,
Shona 2009?
Akati kwaari, "Ndipe mwanakomana wako." Akamutora pachipfuva chomukadzi, akamutakurira kuimba yokumusoro, kwaaigara, akamuradzika panhovo yake,
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwaari, “Ndipe mwanakomana wako.” Akamutora pachipfuva chomukadzi, akamutakurira kuimba yokumusoro, kwaaigara, akamuradzika panhoo yake,