1 Kings 17:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Eria akatora mŋana, akaɓuruka naye paimba yokumsoro, akamuisa mumba, akamupa mai ʋake. Eria akati: Tarira, mŋana wako mupenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Eria akatora mwana akamutakura achibuda mumba maakanga ari akaenda naye mumba huru. Akamupa kuna mai vake akati, “Tarirai, mwanakomana wenyu mupenyu!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eriya akatora mwana ndokuburuka naye mumba yapamusoro iya opinda mumba, akamupa kuna amai vake. Eriya ndokuti, “Hoyuka mwana wenyu, ava mupenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Eria akatora mwana, akaburuka naye paimba yokumosoro, akamuisa mumba, akamupa mai vake. Eria akati, “Tarira, mwana wako mupenyu.”
Shona 2009?
Ipapo Eria akatora mwana, akaburuka naye paimba yokumusoro, akamuisa mumba, akamupa mai vake. Eria akati, "Tarira, mwana wako mupenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Eriya akatora mwana, akaburuka naye paimba yokumosoro, akamuisa mumba, akamupa mai vake. Eriya akati, “Tarira, mwana wako mupenyu.”