1 Kings 18:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, shoko raJehova rikaȿika kunaEria negore recitatu, riciti: Enda undoɀiratidza kunaAhabi; ndigotuma mvura panyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mushure menguva huru, mugore rechitatu, shoko raJehovha rakauya kuna Eria richiti, “Enda undozviratidza kuna Ahabhu, uye ini ndichanayisa mvura panyika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shure kwamazuva akawanda, shoko raTenzi rakauya kuna Eriya mava mugore rechitatu richiti, “Chienda uchindozviratidza kuna Ahabhu, ini ndichazonayisa mvura panyika.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, shoko raJehovha rikasvika kuna Eria negore rechitatu, richiti, “Enda undozviratidza kuna Ahabhi; ndigotuma mvura panyika.”
Shona 2009?
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, shoko raJehovha rikasvika kuna Eria negore rechitatu, richiti, "Enda undozviratidza kuna Ahabhi; ndigotuma mvura panyika."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, shoko raJehovha rikasvika kuna Eriya negore rechitatu, richiti, “Enda undozviratidza kuna Ahabhi; ndigotuma mvura panyika.”