1 Kings 18:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
NaJehova Mŋari wenyu mupenyu, hapanorudzi kana ʋushe kwaasina‐kutuma iye ishe waŋgu kukutȿakai; kana ʋakati: Haapo pano, waipikisa ʋushe ubgo kana rudzi urwo, kuti haʋana‐kukuwanai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, hakuna rudzi kana nyika, ishe wangu, kwaasina kutuma mumwe munhu kuti andokutsvagai. Uye kana pane nyika kana rudzi vaiti makanga musiko, aitovamanikidza kuti vapike kuti vakanga vakushayai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
NaTenzi chaiye mupenyu, hakuna rudzi kana nyika, changamire vangu yavasina kutumira vanhu vokukutsvakai. Kana paine vaiti haako kuno, kwaitoita munhu weko aitopika nemhiko akamiririra rudzi irworwo kuti havana kukuwanai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hapano rudzi kana ushe kwaasina kutuma iye ishe wangu kukutsvakai; kana vakati, ‘Haapo pano, waipikisa ushe uhwo kana rudzi urwo, kuti havana kukuwanai.’
Shona 2009?
NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hapano rudzi kana ushe kwaasina kutuma iye ishe wangu kukutsvakai; kana vakati, Haapo pano, waipikisa ushe uhwo kana rudzi urwo, kuti havana kukuwanai.'
Shona SUB 2002 Bible
NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hapano rudzi kana ushe kwaasina kutuma iye ishe wangu kukutsvakai; kana vakati, ‘Haapo pano, waipikisa ushe uhwo kana rudzi urwo, kuti havana kukuwanai.’