1 Kings 18:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀimŋe ndicaŋgobva kwamuri, Mŋeya waJehova ndokukuisai kwandisiŋgaziʋi; ɀino kana ndikandoʋudza Ahabi, akakushaiwai, ucandiʋuraya; asi ini muranda wenyu ndinotya Jehova kubva paʋuɗuku bgaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini handizivi kuti Mweya waJehovha uchakuendesai kupi kana ndabva pano pamuri. Kana ndikaenda kundoudza Ahabhu, iye akazokushayai, anondiuraya. Asi ini muranda wenyu ndakashumira Jehovha kubvira pauduku hwangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pandinongoti ibvei pano pamuri Mweya waTenzi unokutututsirai kumwe kwandisingamboziva zvangu ndinozosara zvangu ndotaurira Ahabhu wokushayai pano, anondiuraya kunyange zvazvo ini muranda wenyu kubvira paudiki hwangu ndanga ndichingova munhu anotya Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvimwe ndichangobva kwamuri, Mweya waJehovha ndokukuisai kwandisingazivi; zvino kana ndikandoudza Ahabhi, akakushayai, uchandiuraya; asi ini muranda wenyu ndinotya Jehovha kubva pauduku hwangu.
Shona 2009?
Zvimwe ndichangobva kwamuri, Mweya waJehovha ndokukuisai kwandisingazivi; zvino kana ndikandoudza Ahabhi, akakushayai, uchandiuraya, asi ini muranda wenyu ndinotya Jehovha kubva pauduku hwangu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvimwe ndichangobva kwamuri, Mweya waJehovha ndokukuisai kwandisingazivi; zvino kana ndikandoudza Ahabhi, akakushayai, uchandiuraya; asi ini muranda wenyu ndinotya Jehovha kubva pauduku hwangu.