1 Kings 18:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino cituma ʋanhu uʋuŋganidze ʋaIsraeri ʋose pagomo reKarmeri, naʋaprofita ʋaBaari ʋanamazana manna namakumi mashanu, naʋaprofita ʋamatanda okunamata nawo ʋanamazana manna ʋanodya patafura yaIzeberi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino danai vanhu muIsraeri yose kuti vazosangana neni paGomo reKarimeri. Muuyewo namazana mana namakumi mashanu avaprofita vaBhaari namazana mana avaprofita vaAshera vanodya patafura yaJezebheri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka zvino tumai vanhu muunganidze Isiraeri yose kuno kwandiri kuGomo reKarimeri, muunzewoko mazana mana avaporofita vaBhaari uye mazana mana avaporofita vamwari vechikadzi, Ashera vanodya pamwechete naJezebhero patebhuru.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino chituma vanhu uunganidze vaIsiraeri vose pagomo reKarimeri, navaporofita vaBhaari vana mazana mana vanodya patafura yaIzebheri.”
Shona 2009?
Naizvozvo zvino chituma vanhu uunganidze vaIsiraeri vose pagomo reKarimeri, navaporofita vaBhaari vana mazana mana vanodya patafura yaIzebheri,"
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino chituma vanhu uunganidze VaIsiraeri vose pagomo reKarimeri, navaporofita vaBhaari vana mazana mana vanodya patafura yaIzebheri.”