1 Kings 18:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Eria akasweɗera kuʋanhu ʋose, akati: Mucaramba mucifuŋga mifuŋgo miʋiri kuȿikira riniko? Kana Jehova ari Mŋari, mumuteʋere, kana ari Baari, mumuteʋere iye. Asi ʋanhu haʋana‐kupindura shoko rimŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Eria akaenda pamberi pavanhu akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, muteverei; asi kana Bhaari ari Mwari, muteverei.” Asi vanhu havana chavakataura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eriya akaenda pedyo navanhu vose akati, “Munoda kusvikira riniko muchingova nemwoyo miviri? Kana Tenzi, ari iye Mwari wenyu muteverei, kana ari Bhaari teverai iyeyo.” Vanhu havana chavakamupindura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Eria akaswedera kuvanhu vose, akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye.” Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe.
Shona 2009?
Zvino Eria akaswedera kuvanhu vose, akati, "Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira rinhiko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye." Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Eriya akaswedera kuvanhu vose, akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira rinhiko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye.” Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe.