1 Kings 18:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino imi muɗane zita ramŋari wenyu, ini ndiɗane ʋo zita raJehova; Mŋari unopindura nomŋoto, iye ŋgaaʋe Mŋari. Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋakati: Ɀarebga ɀakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mudane kuzita ramwari wenyu, uye ini ndichadana kuzita raJehovha. Mwari achapindura nomoto ndiye Mwari.” Ipapo vanhu vose vakati, “Zvawataura zvakanaka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imi mudaidzire nezita kuna mwari wenyu, iniwo ndigodaidzirawo nezita kuna Tenzi. Ipapa Mwari anenge apindura nomoto ndiye Mwari.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Zvamataura zvakanaka.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino imi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha; Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari. Vanhu vose vakapindura, vakati, “Zvarehwa zvakanaka.”
Shona 2009?
Zvino imwi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha, Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari. Vanhu vose vakapindura, vakati, "Zvarehwa zvakanaka."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino imi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha; Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari. Vanhu vose vakapindura, vakati, “Zvarehwa zvakanaka.”