1 Kings 18:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋakatora nzombe yaʋakaŋga ʋapiwa, ʋakaigadzira, ʋakaɗana zita raBaari kubva maŋgwanani kuȿikira masikati makuru, ʋaciti: Baari, tinzwei! Asi kwakaŋga kusinenzwi kana unopindura. Ʋakapoteredza artari yakaŋga yaʋakwa ʋacipembera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakatora hando yavakanga vapiwa vakaigadzira. Ipapo vakadana kuzita raBhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati. Vakadanidzira vakati, “Bhaari, tipindure!” Asi mhinduro haina kuwanikwa; hapana akapindura. Vakatamba vachipoterera aritari yavakanga vaita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakatora handira yavakanga vapiwa vakaigadzirira vakadaidzira nezita kuna Bhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati vachiti, “Bhaari we-e tidaireiwo!” Asi hapana chakambonzwika kana kuwana akadaira. Vakayavaya kutamba vachitenderera atari yavakanga vavaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vakatora nzombe yavakanga vapiwa, vakaigadzira, vakadana zita raBhaari kubva mangwanani kusvikira masikati makuru, vachiti, “Bhaari, tinzwei!” Asi kwakanga kusine zwi kana unopindura. Vakapoteredza aritari yakanga yavakwa vachipembera.
Shona 2009?
Ivo vakatora nzombe yavakanga vapiwa, vakaigadzira, vakadana zita raBhaari kubva mangwanani kusvikira masikati makuru, vachiti, "Bhaari, tinzwei!" Asi kwakanga kusine inzwi kana unopindura. Vakapoteredza aritari yakanga yavakwa vachipembera.
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vakatora nzombe yavakanga vapiwa, vakaigadzira, vakadana zita raBhaari kubva mangwanani kusvikira masikati makuru, vachiti, “Bhaari, tinzwei!” Asi kwakanga kusine zwi kana unopindura. Vakapoteredza atari yakanga yavakwa vachipembera.