1 Kings 18:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino paŋguʋa yamasikati makuru Eria akaʋaseka, akati: Ƌanidzirai kwaɀo; nokuti mŋari, ɀimŋe uri pakufuŋga, ɀimŋe waenda kumŋe, ɀimŋe wafamba rwendo, kana ɀimŋe uʋete hake, unofanira kumutswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ava masikati, Eria akatanga kuvatuka akati, “Danidzirisai! Zvirokwazvo ndimwari! Zvichida ari kufunga zvakadzama kwazvo, kana kuti ane basa kwazvo, kana kuti ari parwendo. Zvimwe akavata zvokuti anotofanira kumutswa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti zvino ava masikati zuva rorova nhongonya, Eriya akavaseka zvake achiti, “Zhambai nokuti ndimwari zvimwe mheno zvaari kumbofunga hake kana kuti hameno paangotiwo zvake nzve-e. Zvimwe angadaro akafamba rwendo kana kuti ari akakotsira zvake anenge achifanira kutomutsvaka.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino panguva yamasikati makuru Eria akavaseka, akati, “Danidzirai kwazvo; nokuti mwari, zvimwe ari pakufunga, zvimwe waenda kumwe, zvimwe wafamba rwendo, kana zvimwe uvete hake, anofanira kumutswa.”
Shona 2009?
Zvino panguva yamasikati makuru Eria akavasweveredza, akati, "Danidzirai kwazvo; nokuti mwari, zvimwe ari pakufunga, zvimwe waenda kumwe, zvimwe wafamba rwendo, kana zvimwe uvete hake, anofanira kumutswa."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino panguva yamasikati makuru Eriya akavaseka, akati, “Danidzirai kwazvo; nokuti mwari, zvimwe ari pakufunga, zvimwe waenda kumwe, zvimwe wafamba rwendo, kana zvimwe uvete hake, anofanira kumutswa.”