1 Kings 18:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Masikati makuru akati apfuʋura, ʋakaprofita kuȿikira paŋguʋa yokuɓayira cipo camaɗekwana; asi kwakaŋga kusinenzwi kana unopindura, kana wakaŋga aciterera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Masikati akapfuura, ivo vakaramba vachiprofita zveshungu kusvikira nguva yechibayiro chamanheru. Asi hapana chakaitika, hapana akapindura, hapana akaratidza hanya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zuva rakarereka vachingopengereka kusvikira panguva yokupira chibayiro asi hapana chakambonzwika kana kuwana akapindura kana akambozviteerera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Masikati makuru akati apfuura, vakaporofita kusvikira panguva yokubayira chipo chamadekwana; asi kwakanga kusina zwi kana unopindura, kana wakanga achiteerera.
Shona 2009?
Masikati makuru akati apfuura, vakaporofita kusvikira panguva yokubayira chipo chamadekwana; asi kwakanga kusina inzwi kana unopindura, kana wakanga achiteerera.
Shona SUB 2002 Bible
Masikati makuru akati apfuura, vakaporofita kusvikira panguva yokubayira chipo chamadekwana; asi kwakanga kusina zwi kana unopindura, kana wakanga achiteerera.