1 Kings 18:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Eria akati kuʋanhu ʋose: Sweɗerai kwandiri; ʋanhu ʋose ʋakasweɗera kwaari. Ɀino wakagadzira artari yaJehova yakaŋga yaputswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Uyai kuno kwandiri.” Vakauya kwaari, iye akagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eriya akati kuvanhu vose zvavo, “Chiswederai kuno kwandiri.” Vanhu vose vakaswederawo kwaari akabva avakiridza atari yaTenzi yakanga yapunzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Swederai kwandiri;” vanhu vose vakaswedera kwaari. Zvino wakagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa.
Shona 2009?
Ipapo Eria akati kuvanhu vose, "Swederai kwandiri," vanhu vose vakaswedera kwaari. Zvino wakagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Eriya akati kuvanhu vose, “Swederai kwandiri;” vanhu vose vakaswedera kwaari. Zvino wakagadzira atari yaJehovha yakanga yaputswa.