1 Kings 18:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Eria akatora mabge anegumi namaʋiri akaenzana namarudzi aʋana ʋaJakobo, iye, wakaŋga aʋudzwa naJehova, ɀicinzi: Zita rako ricanzi Israeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Eria akatora mabwe gumi namaviri, rimwe chete rakamirira rudzi rumwe chete rwavanakomana vaJakobho, uyo akanga audzwa naJehovha kuti, “Zita rako richava Israeri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eriya akatora matombo gumi namaviri anoenderana namadzinza avanakomana vaJakobho vaya vokunzi neshoko raTenzi, “Zita rako rava kunzi Isiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Eria akatora mabwe ane gumi namaviri akaenzana namarudzi avana vaJakobho, iye, wakanga audzwa naJehovha, zvichinzi, “Zita rako richanzi Isiraeri.”
Shona 2009?
Eria akatora mabwe ane gumi namaviri akaenzana namarudzi avana vaJakobho iye wakanga audzwa naJehovha zvichinzi, "Zita rako richanzi Isiraeri."
Shona SUB 2002 Bible
Eriya akatora mabwe ane gumi namaviri akaenzana namarudzi avana vaJakobho, iye, wakanga audzwa naJehovha, zvichinzi, “Zita rako richanzi Isiraeri.”