1 Kings 18:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa yokuɓayira cipo camaɗekwana, muprofita Eria akasweɗera, akati: Imi Jehova, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaIsraeri, ŋgakuzikanwe nhasi kuti ndimi Mŋari pakati paIsraeri, ʋuye kuti ini ndiri muranda wenyu, ʋuye kuti ndakaita iɀi ɀose ndarairwa nemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yechibayiro, muprofita Eria akaenda pamberi akanamata akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari munyika yeIsraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uyewo kuti ndaita zvinhu zvose izvi sezvamakandirayira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti zvino nguva yokupira chibayiro yasvika muporofita Eriya asvederapo ndokuti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu naIsaki naIsiraeri, ngazvizivike nhasi uno kuti ndimi Mwari muIsiraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu uyewo kuti zvose zvandakaita ndatozviita zvabva mumuromo menyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eria akaswedera, akati, “Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi.
Shona 2009?
Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eria akaswedera, akati, "Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi.
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eriya akaswedera, akati, “Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari pakati paIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi.