1 Kings 18:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti neŋguʋa iyo Izeberi yaakaparadza nayo ʋaprofita ʋaJehova, Obadia wakatora ʋaprofita ʋanezana, akaʋaʋanza makumi mashanu namakumi mashanu ɀe muɓako, akaʋapa ciŋgwa nemvura.)
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha, Obhadhia akanga atora vaprofita zana akavaviga mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe. Uye akavapa kudya nemvura.)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro Jezebhero paaiuraya vaporofita vaTenzi, Obhadhiya akatora vaporofita zana akavahwandisa mumapako vachiti umu makumi mashanu umu makumi mashanu achipota achivapa chingwa nemvura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti nenguva iyo Izebheri yaakaparadza nayo navaporofita vaJehovha, Obhadhia wakatora vaporofita vane zana, akavavanza makumi mashanu namakumi mashanuzve mubako, akavapa chingwa nemvura.)
Shona 2009?
nokuti nenguva iyo Izebheri yaakaparadza nayo navaporofita vaJehovha, Obhadhia wakatora vaporofita vane zana, akavavanza makumi mashanu namakumi mashanuzve mubako, akavapa chingwa nemvura.)
Shona SUB 2002 Bible
nokuti nenguva iyo Jezebheri yaakaparadza nayo navaporofita vaJehovha, Obhadhiya wakatora vaporofita vane zana, akavavanza makumi mashanu namakumi mashanuzve mubako, akavapa chingwa nemvura.)