1 Kings 18:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Eria akati kwaʋari: Ƃatai ʋaprofita ʋaBaari, ʋarege kupukunyuka kunyaŋge nomumŋe waʋo. Ʋakaʋaɓata. Eria akaɓuruka naʋo kurukoʋa Kishoni, akaʋaʋurayira’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Eria akavarayira akati, “Batai vaprofita vaBhaari. Musarega kana mumwe chete achipunyuka!” Vakavabata, uye Eria akaita kuti vaendeswe zasi kuMupata weKishoni vakandourayirwako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eriya akavati, “Batai vaporofita vaBhaari. Musarege kunyange nomumwe chete wavo achipunyuka.” Vakavabata, Eriya akadzika navo kukakova keKishoni akavaurayira ikoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Eria akati kwavari, “Batai vaporofita vaBhaari, varege kupukunyuka kunyange nomumwe wavo.” Vakavabata. Eria akaburuka navo kurukova Kishoni, akavaurayirapo.
Shona 2009?
Eria akati kwavari, "Batai vaporofita vaBhaari, varege kupukunyuka kunyange nomumwe wavo." Vakavabata. Eria akaburuka navo kurukova Kishoni, akavaurayirapo.
Shona SUB 2002 Bible
Eriya akati kwavari, “Batai vaporofita vaBhaari, varege kupukunyuka kunyangwe nomumwe wavo.” Vakavabata. Eriya akaburuka navo kurukova Kishoni, akavaurayirapo.