1 Kings 18:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋguʋa ɗuku yakati yapfuʋura, ɗeŋga rikaȿiɓa namakore nemhepo, mvura zhinji ikanaya. Ahabi akaenda neŋgoro, akaȿika Jezreeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva imwe cheteyo denga rakasviba namakore, mhepo ikavhuvhuta, mvura zhinji ikauya, Ahabhu akaenda nengoro kuJezireeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nenguva shoma shoma matenga akasviba kuti ndo-o namakore nemhepo mvura ikapurana kwazvo kunaya. Ahabhu akati mungoro kata ndokubva aenda kuJezirieri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nguva duku yakati yapfuura, denga rikasviba namakore nemhepo, mvura zhinji ikanaya. Ahabhi akaenda nengoro, akasvika Jezereri.
Shona 2009?
Zvino nguva duku yakati yapfuura, denga rikasviba namakore nemhepo, mvura zhinji ikanaya Ahabhi akaenda nengoro, akasvika Jezereeri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nguva duku yakati yapfuura, denga rikasviba namakore nemhepo, mvura zhinji ikanaya. Ahabhi akaenda nengoro, akasvika Jezereri.