1 Kings 19:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Ndakaŋga ndicishiŋgairira Jehova Mŋari wehondo kwaɀo, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarasha suŋgano yenyu, ʋakaputsa artari dzenyu, nokuʋuraya ʋaprofita ʋenyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara haŋgu; ɀino ʋotȿaka kundiʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapindura akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari Wamasimba Ose kwazvo. VaIsraeri vakaramba sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaprofita venyu nomunondo. Ndini ndoga ndasara, zvino vava kuedza kundiurayawo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati, “Mumwoyo mangu ndakashungurudzwa zvokushungurudzwa zviye ndichishungurudzirwa imi Tenzi, Mwari wehondo nehondo nokuti vanhu veIsiraeri vakakanda pasi chitenderano chenyu, vakapunza atari dzenyu vakauraya vaporofita venyu namapakatwa. Iyeni kudai ndini ndoga ndasara, vari kutondivhima kuti vaparadze upenyu hwangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo, nokuti vana vaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, nokuuraya vaporofita venyu nomunondo; ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.”
Shona 2009?
Iye akati, "Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo, nokuti vana valsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, nokuuraya vaporofita venyu nomunondo; ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo, nokuti vana VaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa atari dzenyu, nokuuraya vaporofita venyu nomunondo; ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.”