1 Kings 19:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Enda, undomira pagomo pamberi paJehova. Ɀino Jehova akapfuʋura’po, mhepo huru inesimba ikapamura makomo, ikaputsanya mabge pamberi paJehova; asi Jehova wakaŋga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuʋura, kuɗeŋgenyeka kwenyika kukaʋa’po; asi Jehova wakaŋga asiri mukuɗeŋgenyeka kwenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati, “Buda panze umire pagomo pamberi paJehovha, nokuti Jehovha ari kuda kuzopfuura nepo.” Ipapo mhepo huru ine simba yakapamura makomo ikapwanya mabwe pamberi paJehovha, asi Jehovha akanga asiri mumhepo. Mushure memhepo, pakava nokudengenyeka kwenyika, asi Jehovha akanga asiri mukudengenyeka ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati, “Buda undomira pagomo apo pana Tenzi.” Tenzi akapfuura nepo, dutu guru remhepo, rine simba rikatsemuranisa makomo rikapwanyanisa matombo pana Tenzi. Asi Tenzi akanga asiri mudutu imomo. Mushure medutu iri kwakave nokundengendeka kwenyika, asi Tenzi akanga asiri mukundengendeka ikoku.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Enda, undomira pagomo pamberi paJehovha.” Zvino Jehovha akapfuurapo, mhepo huru ine simba ikapamura makomo, ikaputsanya mabwe pamberi paJehovha; asi Jehovha wakanga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuura, kudengenyeka kwenyika kukavapo; asi Jehovha wakanga asiri mukudengenyeka kwenyika.
Shona 2009?
Iye akati, "Enda, undomira pagomo pamberi paJehovha." Zvino Jehovha akapfuurapo, mhepo huru ine simba ikapamura makomo, ikaputsanya mabwe pamberi paJehovha; asi Jehovha wakanga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuura, kudengenyeka kwenyika kukavapo; asi Jehovha wakanga asiri mukudengenyeka kwenyika.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Enda, undomira pagomo pamberi paJehovha.” Zvino Jehovha akapfuurapo, mhepo huru ine simba ikapamura makomo, ikaputsanya mabwe pamberi paJehovha; asi Jehovha akanga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuura, kudengenyeka kwenyika kukavapo; asi Jehovha akanga asiri mukudengenyeka kwenyika.