1 Kings 19:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuɗeŋgenyeka kwenyika kwakati kwapfuʋura, mŋoto ukateʋera; asi Jehova wakaŋga asiri mumŋoto; mŋoto wakati wapfuʋura, kufefetera kwokudzikama kukaʋa’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokudengenyeka kwenyika kwakauya moto, asi Jehovha akanga asiri mumoto. Uye shure kwomoto akanzwa inzwi richitaura nakazevezeve kakapfava.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure mokundengendeka kwakauya moto, asi Tenzi akanga asiri moto. Mushure memoto kwakanzwika izwi dete raitaura zvinyoronyoro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kudengenyeka kwenyika kwakati kwapfuura, moto ukatevera; asi Jehovha wakanga asiri mumoto; moto wakati wapfuura, kufefetera kwokudzikama kukavapo.
Shona 2009?
Kudengenyeka kwenyika kwakati kwapfuura, moto ukatevera; asi Jehovha wakanga asiri mumoto; moto wakati wapfuura, kufefetera kokudzikama kukavapo.
Shona SUB 2002 Bible
Kudengenyeka kwenyika kwakati kwapfuura, moto ukatevera; asi Jehovha akanga asiri mumoto; moto wakati wapfuura, kufefetera kwokudzikama kukavapo.