1 Kings 19:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Eria wakati aciɀinzwa, akafukidza ciso cake neŋguʋo yake, akaɓuɗa, akandomira pamuromo weɓako. Ipapo inzwi rikaȿika kwaari, rikati: Unoɓateiko pano, Eria?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Eria paakarinzwa, akafukidza chiso chake nejasi rake akabuda panze akamira pamuromo webako. Ipapo inzwi rakati kwaari, “Uri kuiteiko pano, Eria?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Eriya paakarinzwa akafugidza uso nehanzu yake akabuda ndokundomira pamusuo pebako. Izwi rikauya kwaari richiti, “Uri kuiteiko pano Eriya?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Eria wakati achizvinzwa, akafukidza chiso chake nenguo yake, akabuda, akandomira pamuromo webako. Ipapo izwi rikasvika kwaari, rikati, “Unobateiko pano, Eria?”
Shona 2009?
Zvino Eria wakati achizvinzwa, akafukidza chiso chake nenguvo yake, akabuda, akandomira pamuromo webako. Ipapo inzwi rikasvika kwaari, rikati, "Unobateiko pano, Eria?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Eriya wakati achizvinzwa, akafukidza chiso chake nenguo yake, akabuda, akandomira pamuromo webako. Ipapo izwi rikasvika kwaari, rikati, “Unobateiko pano, Eriya?”