1 Kings 19:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye wakafamba rwendo rwezuʋa rimŋe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati: Ɀariŋgana haɀo; ɀino Jehova, citorai henyu ʋupenyu bgaŋgu, nokuti handipfuʋuri madziɓaɓa aŋgu pakururama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
iye pachake akafamba rwendo rwezuva rimwe chete achipinda mugwenga. Akasvika pamuti womurara, akagara pasi pawo akanamata kuti achifa. Akati, “Zvaringana hazvo, Jehovha. Chitorai upenyu hwangu; handipfuuri madzitateguru angu pakururama.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akafamba rwendo rwomuswere wose wezuva achienda mugwenga. Akasvika akagara zvake munyasi mechigwenzi chomutsvairo achitokumbira kuti dai achisva afa zvake achiti, “Zvakwana zvino izvi Tenzi, chitonditorai zvenyu ndife nokuti chandazovawo nani kumadzibaba angu hapana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.”
Shona 2009?
Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, "Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama."
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nokuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.”