1 Kings 2:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Munoziʋa kuti ʋushe bgaiʋa bgaŋgu, meso aʋaIsraeri ʋose ainditarira, kuti ndiʋe mambo; asi ʋushe bgakashandurwa, ʋukazoʋa bgomunuŋuna waŋgu, nokuti bgakaŋga ʋuri bgake nokuɗa kwaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati, “Sezvamunoziva, umambo hwaiva hwangu. VaIsraeri vose vaitarisira kuti ndichatonga. Asi zvinhu zvakashanduka, umambo hukaenda kumunun'una wangu; nokuti hwakava hwake nokuda kwaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati, “Handiti munozviziva kuti umambo hwanga huri hwangu uyewo kuti Isiraeri yose yaitotarisira kuti ini ndini ndichatonga. Asi zvakazouya nepamwe, umambo hukabva hwava hwomunun'una wangu nokuti ndohwake hwokupiwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Munoziva kuti ushe hwaiva hwangu, meso avaIsiraeri vose ainditarira, kuti ndive mambo; asi ushe hwakashandurwa, ukazova hwomun’una wangu, nokuti hwakanga huri hwake nokuda kwaJehovha.
Shona 2009?
Akati, "Munoziva kuti ushe hwaiva hwangu, meso avalsiraeri vose ainditarira, kuti ndive mambo; asi ushe hwakashandurwa, hukazova hwomunun'una wangu, nokuti hwakanga huri hwake nokuda kwaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Munoziva kuti ushe hwaiva hwangu, meso aVaIsiraeri vose ainditarira, kuti ndive mambo; asi ushe hwakashandurwa, ukazova hwomunun'una wangu, nokuti hwakanga huri hwake nokuda kwaJehovha.