1 Kings 2:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo Soromoni akapindura, akati kunamai ʋake: Munokumbirira Adonia Abishagi muShunemi neiko? Mumukumbirirei ʋo ʋushe, nokuti ndiye mukuru waŋgu; mumukumbirirei iye, naAbiatari muprista, naJoabi mŋanakomana waZeruya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo Soromoni akapindura mai vake akati, “Sei muchikumbirira Adhoniya, Abhishagi muShunami? Mungatomukumbirirawo umambo, zvaari mukoma wangu, mumukumbirire iye naAbhiatari muprista, naJoabhu mwanakomana waZeruya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Soromoni vakati kuna amai vavo, “Mazokumbirirei kuti Abhishagi wokuShunamu apiwe kuna Adhoniya? Mukumbirireiwoka umambo. Inga mukoma wangu wani. Handiti mupristi Abhiyatari naJoabhu mwanakomana waZeruya ndevokwake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo Soromoni akapindura, akati kuna mai vake, “Munokumbirira Adhonia Abhishagi muShunami neiko? Mumukumbirireiwo ushe, nokuti ndiye mukuru wangu; mumukumbirirei iye, naAbhiatari mupristi, naJoabhu mwanakomana waZeruya.”
Shona 2009?
Ipapo mambo Soromoni akapindura, akati kuna mai vake, "Munokumbirira Adhonia Abhishagi muShunami neiko? Mumukumbirireiwo ushe, nokuti ndiye mukuru wangu; mumukumbirirei iye, naAbhiatari muprista, naJoabhu mwanakomana waZeruya."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo Soromoni akapindura, akati kuna mai vake, “Munokumbirira Adhonia Abhishagi muShunami neiko? Mumukumbirireiwo ushe, nokuti ndiye mukuru wangu; mumukumbirirei iye, naAbhiatari mupristi, naJoabhu mwanakomana waZeruya.”