1 Kings 2:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo Soromoni akatuma Benaya mŋanakomana waJehoyada, iye akamuʋamba akamuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo Mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuuraya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo mambo Soromoni akamutumira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akamuuraya akafa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuvamba akamuuraya.
Shona 2009?
Ipapo mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuvamba akamuuraya.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamurova akamuuraya.