1 Kings 2:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akati kunaAbiatari muprista: Enda Anatoti kunyika yako, nokuti waifanira kufa; asi handiŋgakuʋurayi nhasi, nokuti wakambotakura areka yaJehova Mŋari pamberi paɓaɓa ʋaŋgu Davidi, ʋuye nokuti wakatambudzika pamŋe cete naɓaɓa ʋaŋgu pakutambudzika kwaʋo kwose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akati kuna Abhiatari muprista, “Dzokera kuAnatoti, kunyika yako. Unofanira kufa. Asi handisi kuzokuuraya iye zvino, nokuti wakatakura areka yaJehovha Mwari pamberi pababa vangu Dhavhidhi ukatambudzika navo pamatambudziko avo ose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo akati kumupristi Abhiyatari, “Chiendai zvenyu kuAnatoti kupurazi yenyu nokuti chenyu imi manga muchifanira kufa. Asi pari zvino handikuurayei nokuti ndimi maitakura bhokisi rechitenderano chaTenzi Mwari muchitungamirira baba wangu Dhavhidhi mukaonerana nhamo pamwechete nababa vangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akati kuna Abhiatari mupristi, “Enda Anatoti kunyika yako, nokuti waifanira kufa; asi handingakuurayi nhasi, nokuti wakambotakura areka yaJehovha Mwari pamberi chete pababa vangu Dhavhidhi, uye nokuti wakatambudzika pamwechete nababa vangu pakutambudzika kwavo kwose.”
Shona 2009?
Mambo akati kuna Abhiatari muprista, "Enda Anatoti kunyika yako, nokuti waifanira kufa; asi handingakuurayi nhasi, nokuti wakambotakura areka yaJehovha Mwari pamberi pababa vangu Dhavhidhi, uye nokuti wakatambudzika pamwechete nababa vangu pakutambudzika kwavo kose."
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akati kuna Abhiatari mupristi, “Enda Anatoti kunyika yako, nokuti waifanira kufa; asi handingakuurayi nhasi, nokuti wakambotakura areka yaJehovha Mwari pamberi chete pababa vangu Dhavhidhi, uye nokuti wakatambudzika pamwechete nababa vangu pakutambudzika kwavo kwose.”