1 Kings 2:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino shoko iro rikaȿika kunaJoabi, nokuti Joabi wakaŋga ateʋera Adonia, kunyaŋge asina‐kuteʋera Absaromi. Joabi akatizira kuTente raJehova, akandoɓata nyaŋga dzeartari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino shoko iri rakati rasvika kuna Joabhu, uyo akanga aita rangano naAdhoniya asi kwete naAbhusaromu, iye akatizira kutende raJehovha akandobata nyanga dzearitari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyaya iyi payakasvika kuna Joabhu, zvaivapo ndezvokuti Joabhu uyu akanga aita mukumbumumwechete naAdhoniya kunyange zvazvo asina kumbenge aita saizvozvo naAbhusharomu, Joabhu akatizira kutendhe raTenzi akandobata zvinenge nyanga zvepaatari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino shoko iro rikasvika kuna Joabhu, nokuti Joabhu wakanga atevera Adhonia, kunyange asina kutevera Abhusaromu. Joabhu akatizira kuTende raJehovha, akandobata nyanga dzeatari.
Shona 2009?
Zvino shoko iro rikasvika kuna Joabhu, nokuti Joabhu wakanga atevera Adhonia, kunyange asina kutevera Abhusaromu. Joabhu akatizira kuTende raJehovha, akandobata nyanga dzeatari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino shoko iro rikasvika kuna Joabhu, nokuti Joabhu wakanga atevera Adhonia, kunyangwe asina kutevera Abhusaromu. Joabhu akatizira kuTende raJehovha, akandobata nyanga dzeatari.