1 Kings 2:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Benaya akaenda kuTente raJehova, akati kwaari: Ɀanzi namambo: Ƃuɗa! Iye akati: Kwete, ndicafira pano haŋgu. Benaya akaʋudza mambo ɀe, akati: Ndiɀo ɀataura Joabi, ndiɀo ɀaandipindura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Bhenaya akapinda mutende raJehovha akati kuna Joabhu, “Zvanzi namambo, ‘Buda.’ ” Asi iye akapindura akati, “Kwete, ndichafira pano.” Bhenaya akandoti kuna mambo, “Aya ndiwo mapindurirwo andaitwa naJoabhu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhenaya akasvikopinda mutendhe raTenzi akamuti, “Mambo vari kuti, ‘Buda imomo.’ Asi iye akati, ‘Aiwa ndinofira zvangu muno.’ ” Bhenaya akadzokera neshoko kuna mambo rokuti, “Joabhu andipindura achidai izvi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Bhenaya akaenda kuTende raJehovha, akati kwaari, “Zvanzi namambo, ‘Budai!’ ” Iye akati, “Kwete, ndichafira pano hangu.” Bhenaya akaudza mambozve, akati, “Ndizvo zvataura Joabhu, ndizvo zvaandipindura.”
Shona 2009?
Bhenaya akaenda kuTende raJehovha, akati kwaari, "Zvanzi namambo, `Budai!' " Iye akati, "Kwete, ndichafira pano hangu." Bhenaya akaudza mambozve, akati, "Ndizvo zvataura Joabhu, ndizvo zvaandipindura."
Shona SUB 2002 Bible
Bhenaya akaenda kuTende raJehovha, akati kwaari, “Zvanzi namambo, ‘Budai!’ ” Iye akati, “Kwete, ndichafira pano hangu.” Bhenaya akaudza mambozve, akati, “Ndizvo zvataura Joabhu, ndizvo zvaandipindura.”