1 Kings 2:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo akati kwaari: Ita seɀaataura, umuʋambe, ugomuʋiga; kuti ubvise kwandiri napaimba yaɓaɓa ʋaŋgu ropa rakateʋurwa naJoabi rakaŋga risinemhoȿa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mambo akarayira Bhenaya akati, “Ita sezvaareva. Muuraye ugomuviga, naizvozvo undichenese pamwe chete neimba yababa vangu pamhosva yeropa rakateurwa naJoabhu rakanga risina mhosva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo ndokumuti, “Ita zvaareva. Muuraye umuvige kuti ubvisire ini nemba yababa vangu mhosva yeropa ravanhu vasina mhaka rakadeurwa naJoabhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo akati kwaari, “Ita sezvaataura, umuvambe, ugomuviga; kuti ubvise kwandiri napaimba yababa vangu ropa rakateurwa naJoabhu rakanga risine mhosva.
Shona 2009?
Ipapo mambo akati kwaari, "Ita sezvaataura, umuvambe, ugomuviga; kuti ubvise kwandiri napaimba yababa vangu ropa rakateurwa naJoabhu rakanga risine mhosva.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo akati kwaari, “Ita sezvaataura, umuvambe, ugomuviga; kuti ubvise kwandiri napaimba yababa vangu ropa rakateurwa naJoabhu rakanga risine mhosva.