1 Kings 2:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova ucadzosera ropa rake pamusoro wake, nokuti wakaʋuraya ʋanhu ʋaʋiri ʋakaŋga ʋakamupfuʋura pakururama nokunaka, akaʋaʋuraya nomunondo, ɓaɓa ʋaŋgu Davidi ʋasiŋgaɀiziʋi, iye Abineri mŋanakomana waNeri, mukuru wehondo yaIsraeri, naAmasa mŋanakomana waJeteri, mukuru wehondo yaJuda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha achadzorera ropa rake pamusoro wake, nokuti akauraya varume vaviri vakanga vakarurama kupfuura iye, vakanga vari nani pana iye, akavauraya nomunondo, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi, Abhuna mwanakomana waNeri, mutungamiri wehondo yaIsraeri naAmasa mwanakomana waJeteri, mutungamiri wehondo yeJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi achaita kuti ropa raakadeura rimupfukire iye akauraya nebakatwa vanhu vaviri vakarurama kupinda iye vaitova nani pana iye vanaAbhuneru mwanakomana waNeru mutungamiriri wehondo yevokwaIsiraeri, naAmasa mwanakomana waJeteru mutungamiriri wehondo yokwaJudha uyezve akazviita baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha uchadzosera ropa rake pamusoro wake, nokuti wakauraya vanhu vaviri vakanga vakamupfuura pakururama nokunaka, akavauraya nomunondo, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi, iye Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaIsiraeri, naAmasa mwanakomana waJeteri, mukuru wehondo yaJudha.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible