1 Kings 2:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino makore matatu akati apfuʋura, ʋaranda ʋaʋiri ʋaShimei ʋakatizira kunaAkishi mŋanakomana waMaaka, mambo weGati. Ʋakaʋudza Shimei, ʋaciti: Tarira ʋaranda ʋako ʋari Gati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mushure mamakore matatu, varanda vaShimei vaviri vakatiza vakaenda kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati, Shimei akaudzwa kuti, “Varanda vako vari kuGati.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure memakore matatu zvakazongoitikawo kuti vamwe varanda vaShimei vaviri vakatizira kuGati kuna mambo Akishi mwanakomana waMaaka. Shimei paakazvitaurirwa kuti, “Inga varanda venyu vari kuGati.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino makore matatu akati apfuura, varanda vaviri vaShimei vakatizira kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati. Vakaudza Shimei, vachiti, “Tarira varanda vako vari Gati.”
Shona 2009?
Zvino makore matatu akati apfuura, varanda vaviri vaShimei vakatizira kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati. Vakaudza Shimei, vachiti, "Tarira varanda vako vari Gati."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino makore matatu akati apfuura, varanda vaviri vaShimei vakatizira kuna Akishi mwanakomana waMaaka, mambo weGati. Vakaudza Shimei, vachiti, “Tarira varanda vako vari Gati.”